Job 29

1Jobho akapfuurira mberi nokutaura kwake achiti:

2“Haiwa ndinoshuva sei mwedzi yakapfuura, iwo mazuva andairindirwa naMwari,
3mwenje wake pawaivhenekera pamusoro pangu uye ndaivhenekerwa nechiedza chake ndichifamba murima!
4Haiwa, iwo mazuva andakanga ndichine simba, ushamwari hwaMwari chaihwo huchiropafadza imba yangu,
5Wamasimba Ose paakanga achineni uye vana vangu pavakanga vakandipoteredza,
6painyorovedzwa nzira yangu noruomba, uye dombo richindidururira hova dzamafuta omuorivhi.

7“Pandakaenda kusuo reguta ndikandogara muchivara,
8majaya akandiona akatsaukira parutivi uye vatana vakasimuka;
9vakuru vakaramba kutaura vakafumbira miromo yavo namaoko avo;
10manzwi avakuru akanyararidzwa, uye ndimi dzavo dzikanamira kumusoro kwemiromo yavo.
11Vose vakandinzwa vakataura zvakanaka pamusoro pangu, uye vose vakandiona vakandirumbidza,
12nokuti ndakanunura varombo vaichemera rubatsiro, uye nherera dzakanga dzisina anobatsira.
13Munhu akanga ofa akandiropafadza; ndakaita kuti mwoyo wechirikadzi uimbe.
14Ndakafuka kururama sechipfeko changu; kururamisira kwaiva nguo yangu nenguwani yangu.
15Ndakanga ndiri meso kumapofu namakumbo kuzvirema.
16Ndakanga ndiri baba kuna vanoshayiwa; ndaimiririra mhaka yomutorwa.
17Ndakavhuna meno emunhu akanga akaipa, ndikabvuta chaakanga akaruma.

18“Ndakafunga kuti, ‘Ndichafira mumba mangu, mazuva angu awanda sejecha.
19Midzi yangu ichasvika kumvura, uye dova richava pamatavi angu usiku hwose.
20Kukudzwa kwangu kucharamba kuri kutsva pandiri, uta hucharamba huri hutsva muruoko rwangu.’

21“Vanhu vakanditeerera vachitarisira kwazvo, vanyerere vakamirira kurayira kwangu.
22Shure kwokutaura kwangu, ivo havana kuzotaurazve; mashoko angu akawira panzeve dzavo zvinyoronyoro.
23Vakandimirira kunge vakamirira mvura yomupfunhambuya, uye vakanwa mashoko angu kunge mvura yechirimo.
24Pandakanyemwerera kwavari havana kuzvitenda; chiedza chechiso changu chaikosha kwavari.
25Ndakavasarudzira nzira ini ndokugara saishe wavo; ndakagara samambo pakati pamauto ake; ndakanga ndakaita somunhu anonyaradza vanochema.
Copyright information for SnaBDSC